Shumba Murambwi Totem


Shumba Murambwi
Maita Murambwi,
Maita Shumba,
Matikaha,
Kuona chiso.
Hekanhi chibwa, Mushereketi,
Vadzimba vedu, variritiri,
Mutsikapanyoro, vana vaChivi,
Vakanyairi, vadyi vemhuka.
Maita Shumba yangu yiyi,
Hekanhi bumhi rangu riri,
Maita vaMhari, Chipamutoro,
Vari Nyaningwe,
Vari Chamahota,
Maita VaMhungudza,
Vari Baradzanawa.
Zvaonekwa vaMhari, variChitonje,
Vanomuka ngwe namasikati,
Zvaitwa Matikaha nokuone gumbo,
Kuone munhu vanovhunduka.
Maita varere Baradzanwa,
Kwakaparadzanwa baba afa,
Hekanhi Mhungubwe yangu yiyi.
Zvaitwa mwana waChivi,
Aiwa zvaonekwa Mhungubwe, vaNyamukanga,
Makovere.
Zvaitwa muNyaningwe, Chibwa.

Comments

  1. Tisu ka vanhu vacho vasingadye chekupemha vanamukakatira kwasviba

    ReplyDelete
  2. Thats my guys and thinks for the information

    ReplyDelete
  3. Tisu vana shumba 🦁🦁

    ReplyDelete
  4. Tisu vana shumba ka 🦁🦁🦁🦁🦁

    ReplyDelete
  5. My favourite totem shumba

    ReplyDelete
  6. This one is the best😎ana masibanda ,anamasigwede

    ReplyDelete
  7. Vakanyairi vadyi vemhuka aaah tisu Vana chivi

    ReplyDelete

Post a Comment