Shumba Gurundoro Totem


Shumba Gurundoro
Evoi Shumba, Gurundoro,
Zvaitwa vaMbari, maita vaDupwa,
VaSamaringa, Mhonderapachena
Yakapondera pasina gwenzi.
Zvaitwa Shumba yangu yiyi.
Maita Mhonda, maita vari Dziva raSekwa.
Kuziva zvenyu vechikomo cheHarare.
Waita mwana waMbari, Mukonde wangu yuyu.
Maita zvenyu vaera shumba nembada,
Mbada inamavaramavara,
Isakananvza ichisiya rimwe vara rayo,
Haiti iri idema iri idzvuku.
Maita vomudziva ravaSekwa, maita vaDombwe.
Aiwa maita zvenyu mhuru yoMutoko.
Zvaitwa, zvaonekwa mwana waMbari,
Shumba yangu yiyi, Gurundoro.

Comments

Post a Comment