Mutonga Mupamombe Totem


Mutonga Mupamombe
Maita Mutonga,
Mukoka,
Ngezi,
Maita vari Chivare,
VokwaDumbura,
Vakatumbura mombe nechara,
Chipanga chichisvina ura,
Chatadza kutumbura mombe,
Zvaitwa Mutonga,
Maita variChingondo,
VapaChizarira,
Siyakavhezha,
Varidzi vamasango,
Zvaitwa Ngezi,
Vasireveteki,
Vanotoreveteka kana vasorwa,
Zvaitwa Mupamombe,
Aiwa Mupawose.

Comments

  1. apo kaapo panoti mutonga ndopotyisa ,,,,,,<zvikanzi vanotovereka kana vachinge vasvorwa yapakaipa maNgezi haadi zvisina basa

    ReplyDelete
  2. Vanasikana vaMangomo, kana kuti Achinyama Tisu Vanhu vacho

    ReplyDelete
    Replies
    1. Ehzve Ana achinyama tiritiii tiri pano .vane mutupo wakasiyana nevamwe vasingazivikanwi neruzhinji .a rare breed unknown neruzhinji

      Delete
  3. Ndomumbirawo mubvunza ana Mupamombe vangani vakasiyana herr or lets say vekwaMurehwa ndevapi

    ReplyDelete
    Replies
    1. Hakuna imwe mupamombe. Ngezi ndoimwe .

      Delete
    2. Ngezi iripo pano

      Delete
    3. Vekwamrewa tisu vacho vana Ngezi

      Delete
  4. Ndikudawo kunzwisisa our tribe veduwe

    ReplyDelete
  5. Hi get in touch with me on our tribal history 0773060404 watsapp

    ReplyDelete
  6. More info on Mupamombe unearthed

    ReplyDelete
    Replies
    1. ndokumbirawo history yacho yese

      Delete
    2. Tinoera mhuka ipi? Vazhinji vanoti hatisi Mombe asi madzimai achinzi vamanaNkomo?

      Delete
  7. Ko vakadzi vanodeedzwa vachinzi chii?

    ReplyDelete
  8. Woow ndafara to finally have my full totem i didnt know.So proud tisu ana Mangomo

    ReplyDelete
  9. Makadii makadii.
    Ndiri kunzwa muchingoti tisu tisu, ko VanaMupamombe vanoera chii? Chidawo chii

    ReplyDelete
  10. Replies
    1. Pamhuka dzose pane nhengo inonzi RUZARIRA, diaphragm pachirungu.

      Delete
    2. Meaning tinoyera ruzarira iroro here?

      Delete
  11. Thank you nekuti pa mutupo wedu shuwa. Dairawo apo pamhuka yatinoera.

    ReplyDelete
  12. Pakatozoshaya anoziva mhuka, ndakambonzi imombe, then later ndikanzi it's a part yemoyo. So it's very confusing till date hatizive

    ReplyDelete
    Replies
    1. Hatidye zvemukati memombe maiguru nematumbu because takayambuka Zambezi tiri mudumbu remombe

      Delete
  13. Looking at it nkomo imombe so l grew up thinking that. Thank you asi detembo iri riri biased this is only for kutenda varume hapana kana pakanzi mankomo

    ReplyDelete
    Replies
    1. The ladies are called Ngezi dear sis 🤗

      Delete
    2. Aisi mombe sis.. iShumba tateguru reshumba

      Delete
  14. Replies
    1. Ehe I remember my aunt vachiti VeRimuka varidzi vemasango

      Delete
  15. Plain and straight forward... Mhondoro Ngezi read between the lines... Mhondoro means lion... Ngezi was the name of the lion..

    ReplyDelete
  16. Tisu zvedu. Tiripano Ana mankomo....... Isu tinonzi we don't eat musoro we mombe nemazondo...... Tisu vazukuru vachief mpawose

    ReplyDelete
  17. Ini ndoda kuzivavo mhuka yatinoera chaiyo kuti inonzii chaizvo

    ReplyDelete
  18. It seems like hapana anonyatsoziva kuti tinoera mhuka ipi or chii chaicho.

    ReplyDelete
    Replies
    1. I heard kuti mhura yacho ishiri iyaa inonzi gora inodya nyama iyaa. Ndosaka muchinzi wanotumbura mombe nenzwara

      Delete
  19. Ndakanzwa kuti munoera Mombe? is that right? Ko vakadzi vanonzii, ndaona Ngezi, mukumbudzi etc?

    ReplyDelete
    Replies
    1. Mupamombe Ngezi vakatanga vari MaTonga. Vaiera Shumba kupinda kwavo munyika ye Zimbabwe. Tsika yavo yekupa vanhu mombe ndiyo yakaita kuti vadunhururwe kuti ana Mupawose.. Ndipo pakazoshaikira kuera Shumba kwavo. Ongororai mazwi anoti 'Vasireveteki Zvaitwa Mutonga,
      Maita variChingondo,
      VapaChizarira,
      Siyakavhezha,
      Varidzi vamasango,
      Zvaitwa Ngezi,
      Vasireveteki,
      Vanotoreveteka kana vasorwa,
      Zvaitwa Mupamombe,
      Aiwa Mupawose."

      Kune mhuka imwechete inotyisa mumarimuka, SHUMBA, Kwete Mombe

      Delete
    2. Vakadzi vari pairi: vanasikana vanonzi MaNkomo, nyangwe hazvo izvi zvakazouya apo Mombe yaakunzi ndiyo mhuka inoerwa yacho. Vanodaidzwa kuna ana Chinyama . Varoora ndivo vanonzi ana Mukumbudzi. Varoora vanouya nemitupo yavo asi haidaidzwe kwavakaroorwa

      Delete
  20. Tino nyatso yera mhuka ipi chaiyo nhai isu ana Mupamombe

    ReplyDelete
    Replies
    1. My grandmother told me Buffalo. Unfortunately my grandfather died before we were old enough to ask some of these questions. But he always referred to me as Ngezi yekwaMupamombe

      Delete
    2. Tinoyera mucheni kana kuti tiger fish iya ine mazino hatidyi iyoyo

      Delete
    3. Yaaa ndakanzwa kuti tinoera hove yemucheni tiger fish

      Delete
  21. I'm mupamombe originally our Ancasters came from mhondoro we are based in Rusape.

    ReplyDelete
  22. I herd our origin is Zambia side so the tateguru crossed Zambezi into Zimbabwe but he was carried by tiger fish to cross ,so vekwamupamombe vanoera tiger fish ndiyo mhuka yatisingadye do research

    ReplyDelete
  23. Vana Ngezi Tinoera Sheni or Tiger Fish, Tiger Fish is called Ngezi in Tonga, zvekuti Mupamombe its a nickname

    ReplyDelete
  24. Ko nhaimi ko isu tiri mupamombe asi ndonzwa vakadzi vachinzi dhuve ndatadza kunzwisisa ipapo

    ReplyDelete
  25. Pamusoroyi pano
    VanaMupamombe Ana Ngezi
    VanaRimuka
    👏👏👏
    Chokutanga pachishona chi "MHONDORO"? I SHUMBA (Lion) Svikiro Ngezi ndoShumba
    Hence
    MHONDORO NGEZI
    Pamutupo panoramic varidzii vemaSango which animal is king of the Jungle? It's definitely not cow nor Buffalo..It's the Lion so Ana Mupamombe iShumba and Eagle
    variChigondo meaning that vari futi ma King emudenga (Hungwe) if you now about Hungwe Zimbabwe bird!
    Not to worry I still getting more information as soon as It's all ready will make it public so everyone knows about their roots.
    Ndatenda hangu


    ReplyDelete
  26. Tinotenda nekubatsira kwamaita, ndoshuwiro yedu hombe kuti tibatsirane netswakiridzo

    ReplyDelete
    Replies
    1. Tinotenda Mwari chose nemaTateguru ana Mho-ndo-ro Ngezi (Shumba iya "Cecil") ndo kuti ana Mupamombe Ngezi!!!
      Vanofara nekutenda kwenyu nekudakuziva chokwadii vane ma Revelations arukuuya zuva nezuva tichagadzirisa magwaro acho tozviisa zvesa pa Wikipedia,YouTube, Facebook, nepamasocial site's nekunyora mabook kuti vana vave ne history yava yakakwana Tinotenda Mwari chose kana mune zvamunazvo vana Mutonga Mupamombe nana Ngezi is pano kuti panonyorwa magwaro tinsel zvese pasone chinoshara vana vaMunhumutapa Tinotenda

      Delete
  27. Ngezi Mupamombe mushena mutonga rimuka varipano

    ReplyDelete
  28. Aiwa Tinotenda neruzuvo rwamuri kuti pakurira chokwadi takakura tisina nhoroondo yemutupo wedu yakakwana .... Zita Panashe Mubaira from Guruve

    ReplyDelete
  29. Imhuka ipi mpamombe

    ReplyDelete
  30. Vana Mupamombe Ngezi varipano

    ReplyDelete
  31. Mupamombe vachipinda munyika ye Zimbabwe

    ReplyDelete
  32. Mupamombe Ngezi vachipinda munyika ye Zimbabwe vakasvikira mu Chegutu area vachibva kumhiri kwa Limpopo , mhuka tinoera shumba

    ReplyDelete
  33. Ndotenda ndotoda kutozivawo ask pashumba hamunyepi ipapo

    ReplyDelete
  34. Hevoi Ana mupamombe.ko sei zvixhinzi we came from Batonga tribe kuBinga

    ReplyDelete
  35. Makadii vanaMupamombe ko kwatakabva kwacho ndekupi

    ReplyDelete
  36. Ko vamwe vanoti Tinoera dziva, ino a hove mucheni, tiri vana Masiziva,Ndizvo here.

    ReplyDelete

Post a Comment