Chii Dangwe, Vahosi, Gotwe, Tsvimborume, Muramu etc dzidzai Shona yakazara



● Mwana wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *dangwe.*
● Mwana wekupedzisira kuzvarwa mumhuri anonzi *gotwe.*
● Mwanakomana waMambo wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *nevanji.*
● Mwanasikana waMambo (Murozvi) anonzi *vaMoyo).*
●Munda mutsva unonzi *gombo.*
● Tinorima nzungu nenyimo *mutseu.*
● Tinorima muriwo *mubindu.*
● Munda waimborimwa kare unonzi *gura.*
●Tinorima mupunga *mudoro.*
● Murume abve zera anonoka kuroora anonzi *tsvimborume.*
● *Mhanje* mukadzi asingabereki.
● *Ngomwa* murume asingabereki.
● *Pfunda* murume akafirwa nemukadzi.
● Mukadzi akafirwa nemurume anonzi *chirikadzi.*
●*Nherera* mwana akafirwa nevabereki.
● *Musiyiwa* munhu akafirwa.
● *Tsiru* imombe hadzi isati yabereka.
● Mombe hono inosungwa inonzi *dhonza.*
● *Mhou* imombe hadzi inobereka.
● *Ramba* imombe hadzi isingabereki.
● *Mufushwa* muriwo wakaomeswa.
● Nyama yakaomeswa inonzi *chimukuyu.*
● *Shupa* izai risingatsotsonywi.
● *Gavamwedzi* mwana anozvarwa nguva isati yasvika.
● Nyemba isingaibvi inonzi *nhinhi.*
● *Manda* mafuta enyama.
● *Horomba* igudo guru rinofamba roga.
● *Chitunha* muviri wemunhu akafa.
● Munhu asinganzwi anonzi *matsi.*
● Pakabva zino panosara *vende* kana kuti *nyada.*
● *Bofu* munhu asingaoni.
● *Chimumumu* munhu asingatauri.
● Mwana anozvarwa akafa anonzi *gambe.*
● Makudo anorara *pachiro.*
● *Nzuma* imombe isina nyanga.
● *Tsote* imhuka hadzi isingabereki.
● Mombe hono isina kuchekwa inonzi *handa.*
● *Dore* imombe yakwegura.
●Munin'ina kana mukoma wemurume wako anonzi *muramu.*
● Mukadzi washe anoroorwa mushure mewokutanga anonzi *vagota.*
● Mukadzi washe wokutanga anonzi *mukaranga.*
● *Vahosi* mukadzi mukuru paguru.
● *Murongo* mukadzi mutsva.
●*Nyachide* mukadzi anodiwa zvikuru pabarika.
● *Mukurungai* mubereki wemuroora wako, kana kuti vabereki wemukwasha wako.
● *Gota* imba inorara vakomana.
● *Nhanga* imba inorara vasikana.
●Murume akwegura anonzi *harahwa.*
● Mukadzi akwegura anonzi *chembere.*
●Musikana adarika zera rokuroorwa anonzi *tsikombi.*
● Musikana asingaroorwi anonzi *mbonga.*
● Mwana anotanga kumera mazino ekumusoro anonzi *durika.*
● Munhu akafa karekare anonzi *mukare.*
● Wedzinza rako akafa karekare anonzi *tateguru.*
● Munhu akura asi asingaratidzi kuchembera anonzi *goremucheche.*
●Nzvimbo inobikirwa hwahwa inonzi *bikiro.*
● *Bombwe* mukadzi anomiririra panoroorana vaviri.
● *Fende* munhu anehutsvina.
● *Bondwe* mukadzi wechipiri pabarika ari munin'ina wemukadzi wekutanga.
● Muripo unopiwa ishe kana achitonga nyaya unonzi *chirigo.*
● *Bakuro* chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukuwasha.
● *Chigadzamapfihwa* mukadzi wenhaka.
● *Chimutsamapfiwa* mukadzi asi ari hama yemukadzi akashaika anouya kuzoroorwa nemurume akafirwa.
● *Chimwayange* munhu anotaurisa uye achinyepa.
● *Humburukwa* murume akafirwa nemukadzi.
● *Gwevedzi* munhu anotumwa nemumwe kundomupfimbira musikana.
● *Mbeveve* munhu asingatauri.
● Kana musikana nemukomana vadanana, vanopana nhumbi dzinonzi *nduma* sechiratidzo cherudo rwavo.
● *Nyachide* mukadzi anonyanyodiwa nemurume kupinda vamwe vese pabarika kana kuti pachipari.
● Mukadzi mudiki paguru anonzi *mukadzinyina.*
● *Gupuro* imari kana chinhu chinobviswa nemurumce kuratidza kuti haachadi mukadzi wake.
● *Chekaukama* imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume anenge achida kuroora musikana waane ukama naye.
● *Danga* imombe dzinobviswa nemukuwasha seroora.
● Mukadzi akambozvara, asi zvikuru asiri pamurume anonzi *mvana.*
● Munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi *sadombo.*
● *Barika* kana kuti *guru* musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume mumwe chete, panguva imwe chete.
● Munhukadzi achangobva mukuzvara anonzi *muzvere.*
● Munhu anotya zvikuru anonzi *gwara.*
● *Mhizha* inyanzvi yekugadzira zvinhu zvesimbi.
● *Charavanda* mukaka mumbishi kana wakakora unomwiwa kana kudyiwa vanhu vapedza kusvusvura.
● *Chifemba* idoro rinotanga kupiwa vanhu, kazhinji panhimbe.
● Doro rinopiwa vanhu vari pakati pokurima pahumwe rinonzi *chiwanano.*
● Kudya kwamanheru vanhu vasati vavata kunonzi *chirairo.*
● Kudya kwavanhu kwamangwanani kunonzi *chisvusvuro.*
● *Hurudza* murimi anemukurumbira.
● *Nyamukuta* munhu anoita basa rekubatsira vakadzi pakuzvara.
● *Chirara* indima inosara isina kurimwa pakati pedzakarimwa.
●*Dongo* musha wakatamiwa.


Comments

  1. imbwa inobereka vana vachifa. vana vacho vanonzii?

    ReplyDelete
  2. Munhu anoumba hari anonzi chii

    ReplyDelete
  3. 1. Musikana anovinga mukomana kuti amurore anonzi....?
    2. Mukadzi anoroorwa nekuda kwekuti aripo achembera anonzi...?
    3. Mukadzi anoroorwa nekuti mumba mashaya mbereko anonzi...
    4. Mukadzi anoroorwa nekuda kwekuti atsive hamakadzi inenge yashaya anonzi...

    ReplyDelete
    Replies
    1. 3 ndikuitsvagawo anayo help

      Delete
    2. hie did you find the answers to your questions

      Delete
  4. Mwana anofa asati abuda mazino anonzi

    ReplyDelete
  5. Munhu asingataure nekunzwa anonzi chiii?

    ReplyDelete
  6. Replies
    1. Munhu anotumwa nemashoko ekupfimbana

      Delete
  7. Chii chinonzi tsaiya

    ReplyDelete
  8. Musikana anovinga mukomana wake kumba kwavo kuti amuroore asina kumupfimba anonzi

    ReplyDelete
  9. Mukadzinina zvinorevei

    ReplyDelete
    Replies
    1. Mukadzi anororwa pakarorwa Hama tke

      Delete
  10. Munhu asingarooreki anonzi chii

    ReplyDelete

Post a Comment