Gwai Gumbi Totem


Gwai Gumbi

Maita Gwai,
Chinhove changu chichi,
Vane chuma chisingaverengwi,
Vakatorerwa umambo namabvakure,
Isu hanzvadzi tisakashaya,
Vane imba yakazvarwa muRungu.
Maita Hwai yangu yiyi,
Ikachema kunofa dangwe,
Ukaidya unopera mazimo.
Maita vokwaChinhove changu chichi,
Vanofa chihwaihwai.
Maita zvenyu vari Ruvamba,
Vari Mharamasimbe.
Kuziva zvenyu vari Manyewe,
Vari Baramhanza,
VokwaMabvudzikuwanda,
Mazhinji ndoazere tsine.
Tatenda vari Mburwi,
Chakatyoka chiramwa ndochadaidze wacho,
Mhodzi yefodya kubarika panomera imwe.
Zvaitwa Gono;
Zvaitwa Gumbi:
Zvaitwa Gwai;
Maita Usanga, maita Chuma;
Vari kumiuya misere,
Maita vari Mhondoro;
Tatenda Chinhove changu chichi,
Zvaonekwa vari Doworo,
Maita mwana waGora;
Aiwa zvaonekwa Gwai rangu riri.

Comments

  1. I'm proud of my totem 💜💜💜

    ReplyDelete
  2. Imba yakazvarwa murungu meaning???

    ReplyDelete
  3. Ava havatozivi vakaisirei hwai pamusoro apo nhai Gwai Gumbi Ikamba yemakwati kwete hwai iyoo, vazhinji vanoti hwai asi handizvoooo, isu taikara nyama saka gwai yakazoitwa kamba kare kare kuti tikwanise kudya hwai idzi kkkkkk

    ReplyDelete
    Replies
    1. This is true I grow up am granny father told me gwai ikamba so ini ndiri kamba gwai

      Delete
    2. Zvakasiyana Gwai as in sheep ndiyo Chuma

      Delete
    3. The Manyika Gwai, Gumbi , Chuma tinoyera kamba. The way we are praised is different from the other Gumbis.

      Delete
    4. Yes I have been told I am told tinoyera kamba.Do you have more info on that?

      Delete
  4. whoever compiled that detembo missed a number things. there is no mention of chisasike, where Gora our sikarudzi is, there is no mention of MUSAMBADZI, which meant that when Gora travelled from his original place of birth in manica mozambique, he was selling chuma, hence musambadzi or mushambadzi if you want. should have been vamufa tinyerere, vakachema kunofa dangwe, chuma was made in gold because manica is reach in that mineral, so there was omission of golidhe in there.

    ReplyDelete
    Replies
    1. Want to know more about Chisasike where you say our Sikarudzi Gora is and also how is it that Gora is also linked to Goromonzi please help if you know

      Delete
    2. You seem to be knowledgeable of this . You could sent in your version tibatsirikane

      Delete
  5. I'm of my totem I'm gumbi gwai chuma gombe gombe

    ReplyDelete
  6. I'm proud of my totem gumbi gwai gombe gombe

    ReplyDelete
  7. Also left ,' vasingarowi nemheni
    Makita Moyana

    ReplyDelete
    Replies
    1. you are right but gwai is sheep chuma

      Delete
  8. I'm proud to be Gwai chuma mukuruvambwa mufandinyerere

    ReplyDelete
    Replies
    1. thats very true mukuruwambwa

      Delete
  9. Hwai neKamba chinhu 1 here ini ndiri muera hwai but mumacomments ndikuona kamba

    ReplyDelete
    Replies
    1. I have same questions, I was told ndiri hwai muchenawashe not mukuramba or hwai kamba, is there any source that is more official ?

      Delete
  10. I'm proud of my totem too

    ReplyDelete
  11. Am proud of my totem

    ReplyDelete
  12. Me too

    Left vasingarohwe nemheni
    Moyana
    Mufandinyerere
    A lot is missing

    ReplyDelete
  13. Moyana vakafana na mwari

    ReplyDelete
  14. Mmmmm mutopo wangu ndouda, l am proud of my totem,machuma gwai chairo kwete kamba

    ReplyDelete
  15. Gwai igwai zvekut kamba haarato drama

    ReplyDelete
  16. Vana gumbi muriko here uko maramba zvemadrama nemutupo wenyu

    ReplyDelete

Post a Comment