Tsiwo Gushungo Totem


Tsiwo Gushungo
Maita Gushungo,
VokwaNzungunhokotoko,
Muchero waNegondo,
Maita Tsiwo,
Usavi hwavamwe varume,
Vambwerambwetete,
Kugara pasi kusimuka zvinohwira vhu,
Musati hutukwa,
Mutupo ndowenyu,
Tatenda varidzi venyika,
Vakabva Guruuswa,
Varidzi vamazhanje.
Maita vokwaZvimba,
Vazere muChakona,
Vene vamachiri namakute,
Vano kutizira kunenge kudyara nzungu,
Vakapangura nyika ino
Ichakatsitswa nezamu,
Vomutupo weGushungo,
Vari chipata naMaringohwe,
Aiwa mwana waZvimba,
Zvaitwa vaNgonya.

Comments

  1. proud to be Gushungo....

    ReplyDelete
  2. Tisu varidzi venyika vana Mangwenya Gushungo

    ReplyDelete
  3. Vari maringohwe.... Isusu varidzi vemazhanje...

    ReplyDelete
  4. Vaera beche tisu vacho, its actually not a crocodile 🐊 but we use it as a symbol of fertility mutupo ibeche n proud to be

    ReplyDelete
    Replies
    1. How do you make us believe your own opinion

      Delete
  5. Mwana wanegondo,wa neuteve chihobvu,wamutota,wa moyo chirandu.

    ReplyDelete
  6. proud of my totem, ngonya iyi

    ReplyDelete
  7. Tisu vanhu vacho varidzi venyika

    ReplyDelete
  8. Would like to know more about our totem, may someone help please..

    ReplyDelete
  9. Ndauyawo kuzo markisa register...varidzi veMazhanje woyeee

    ReplyDelete
  10. Ngonya nhema iripano. Kugara pasi huhwira ivhu.

    ReplyDelete
  11. Proud to be a Gushungo varidzi venyika

    ReplyDelete
  12. Varidzi ve Nyika I hungwe takakuvakirai Svingo ramadzimbahwe

    ReplyDelete
  13. Hosavi hwevamwe varume ndisu ngonya special

    ReplyDelete
  14. Nice one, ndatowanao twuma line twekupinda MaNgwenya wangu. Anoita kutapirirwa kudeedzwa nemutupo 👏😊

    ReplyDelete
  15. Mbwetete jiri Gushaz love it

    ReplyDelete
  16. Ahaaa gushungo varidzi venyika

    ReplyDelete
  17. Tisu anhu acho Mangwenya special

    ReplyDelete
  18. Gushungo is not a crocodile, kuba mutupo we vamwe kuita wenyu azvitorina kana link

    ReplyDelete
  19. Ndisu vacho ngwena

    ReplyDelete
  20. Ngushungo ndisu vanhu chete

    ReplyDelete
  21. Proudly mangwenya

    ReplyDelete
  22. 😁😁😁😁

    ReplyDelete

Post a Comment