Tembo Mazvimbakupa Totem


Tembo Mazvimbakupa
Maita Mazvimbakupa,
Maita Mbizi, maita Zvimbakugova,
Maita Tembo yangu yiyi,
Hekani Matendera, Ngwere, Njuma isina nyanga,
Zvaitwa Mbizi, zvaitwa Chivara,
Njuma yeRenje,
Hekani vaTembo, Mashongera,
Manjenjenje ganda ravasikana,
Paswe-ziso-mombe-somuchena,
Chinakiramatondo, Maruki, Musimira,
Mapfaravara Matungachuma,
Manyerenyete nyora dzenhurura,
Mazambacheka Mangarivari Matoyameso,
Mbizi yakashonga mikonde savakadzi,
Mhuka isina ukasha kana hundwa,
Zvaitwa Romo, zvaitwa Zenze,
Chigadhugadhu magunde avasikana,
Chitendera chamambo changu chichi,
Chishongo chavakadzi icho chirimudondo,
Vachasiyesiye Mutsikapatinhira,
Vemiswe michena inepfumvudza,
Maita voKwachipfuvachadziviremuto,
Mago matema akasvipa namagaro ose,
Vadyi vamachinda mazana anorasirwei,
Kusvipa dzangare baba wako ano matura mangani?
Zvaitwa maDhuve, zvaitwa mwana waChihota,
Maita vaZungu, vakauya vari pamachira,
Kuringa mbizi huringa makumbo,
Kuringa mutumbi noruvara unoyeverwa,
Mhuka inoti kana yomhanya mumatombo,
Kuatsika inoona moto kuti cheru cheru cheru,
Chisikwa chinomuririmira usina mhotswa nechimwe,
Kumira kungoti charavanda,
Ungati mheno anodziudza,
Kuwa kweBinga zuva rinoora.
Hekani vaNyemba, mubvana waChivazve,
Muroro wangu yuyu, mubvana waCharindapanze,
Zvaitwa vari kutsoka, Mahwemanyoro, kudziva ravaSenwa,
Zvaitwa vaHota, maita vaZomba,
Maita vari kuGwara,
Zvaitwa vari kuManyochwa, kwakafira Bindu naChigudza.
Totenda vari uZomba, vari Dzimbahwe, nevari Mabweadzibva.
Maita vari Guvira mucheka wakasunge nyika.
Mazviita zvenyu vari Manyika, Binga guru,
Vane mutupo usingagarwi nenhunzi,
Vakati chidawo chisina masvisvinwa,
Maita vari Chirovarova, vari kuChai,
Mahwemanyoro,
Kuziva zvenyu vari Zomba, kumashapa kunodyiwa
ndurwe nechirimo.
Zvaitwa muHota, zvaitwa tateguru, hekani sikarudzi.
Maita zvenyu dehwe rembizi, gakangoma,
Muno kunaka kunokungurwa navagera zvavo.
Aiwa zvaonekwa Zvimbakupa - Samaita.

Comments

  1. Nyasha ChiparausheJuly 22, 2019 at 5:40 PM

    That's me. Tembo Mazvimbakupa.

    ReplyDelete
  2. Replies
    1. My totem to us ana manjenje ne

      Delete
  3. kukara ana tembo ne shanje too much

    ReplyDelete
  4. Am proud to be Madhuve Ganda rama babie tisu hedu Vana Va Chihota

    ReplyDelete
  5. Tisu anhu acho manjenjenje ganda remabhebhi

    ReplyDelete
  6. Ganda rena bbe, yea man

    ReplyDelete
  7. Tisu ana mazvimbakupa vanaVaChihota

    ReplyDelete
  8. Ndiko kuti madhuve. Proud to be one.

    ReplyDelete
  9. Kuringa mbizi huriga gumbo haiwa tisu anhu acho

    ReplyDelete
    Replies
    1. Owww Yes they are from Moza. Proud to be makhoti kwa Samaita asi sanje hiiiiii

      Delete
  10. Mazvimbakupa vana vaHota. So proud to be a SAMAITA. did you know that anaMbizi vanobva kuMozambique , the SENA people

    ReplyDelete
    Replies
    1. Yaaa vachigerwa mudede. What we call English cut now

      Delete
  11. "Kusvipa dzangare baba vako vanematura mangani?" Takanyanya vaira tembo

    ReplyDelete
  12. No manjenjenje Ganda remabbei



    ReplyDelete
  13. πŸ˜‚πŸ˜‚πŸ˜‚πŸ˜‚

    ReplyDelete
    Replies
    1. Tisu angu acho Ganda remabby, chishongo cherenje

      Delete
  14. Pamberi nanambizi

    ReplyDelete
  15. Tisu vacho πŸ”₯πŸ”₯topisa

    ReplyDelete
  16. That's me Mazvimbakupa I am so proud of my totem

    ReplyDelete
  17. just perfect manjenjenje

    ReplyDelete
  18. Ana manjenjenje muriko here

    ReplyDelete
  19. Manjenjenje the greatest

    ReplyDelete
  20. Mazvimbakupa, Ganda revasikana Manjenjenje ndapa kutenda zvangu. Ndanzwa manyukunyuku. Kuringa Mbizi huringa makumbo. Nekuti ukaringa musoro kana muviri aah unotadza kuenda kubasa. We’re too much mhani.
    Yours truly Mazvimbakupa

    ReplyDelete
  21. vanhu vakachena damn

    ReplyDelete
  22. Tembo manjenjenje,am proud to be one

    ReplyDelete
  23. Vachishambadzamachira

    ReplyDelete
  24. Proud to be Manjez vana chamama mabhanzi tisu keep burning πŸ”₯πŸ”₯

    ReplyDelete
  25. Hazvipere mushe kumuka iyi.. Chirudunura mabhazi chaiwo.

    ReplyDelete
  26. MANJENJENJE πŸ˜›

    ReplyDelete
  27. Manjenje vanachidhota mabhanzi. Ndisu. Powerful totem.

    ReplyDelete
  28. Yes the Sena from Mozambique, ndatenda zvangu

    ReplyDelete

Post a Comment