Shonga Nyati Totem


Shonga Nyati
Maita Nyati,
Maita Zvigarambabvu,
Hekani Nyati yangu yiyi,
Zvaitwa shinga, Mwana waMuswere.
Tatenda vari Museso navari Minanga,
Vagari veMhinha, Shonga yangu yiyi,
Vanoramba kudya nyama yomusana,
Muchida yechityu.
Maita Nyati, maita Shonga,
Hekani Makoni wangu mazamu eNyati,
Vanotukwa nedengu romupunga,
Rorukweza riri munyasi.
Kuziva zvenyu Nyati yangu yiyi,
Vachibaya mombe,
Kudya mbudzi urombo.
Zvaitwa vari Masendeke,
Vasingaiswi vhu munzeve,
VokwaChireranherera,
Vari muHomwe,
MuUngwe waDerere asingadyi derere,
Kuteketera kuteketerwa nedengu romupunga,
Rorukweza ngeremhamba,
Vanhu vasingaiti mhezi,
Maita varere Mhinha nevari Masendeke,
Zvaitwa muUngwe.

Comments

  1. Thank you so much for this. Im racking my brain trying to translate this as im in the diaspora and ChiVahnu is my second language. Do you happen to have an English version of this?

    ReplyDelete
  2. Chivanhu is your second language are you white .Tidyirei hedu ma steady manzwa brainwashed people are dump.

    ReplyDelete
    Replies
    1. 😂😂😂😂😂😂😂😂😂 sadza rerukweza wagute wotaura Shona 😂😂😂😂😂😂

      Delete
    2. Ngaatibvire hedu uko

      Delete
  3. Eeesh kureva kuti is it the same in ndebele language

    ReplyDelete
  4. Eeesh kureva kuti is it the same in ndebele language

    ReplyDelete
    Replies
    1. we nyatis and the nyathis of gwanda or mat south are but one person. We are coming from the same root

      Delete
    2. Pamberi nechivanhu

      Delete
  5. Thank you for sharing. I am teaching this currently to my daughter before she says Chovanhu is her second language.

    ReplyDelete
  6. So vakadzi vanoyera nyati vanodeedzwa kunzi vanaani

    ReplyDelete
  7. Ndinofara kuva muzvare, muera nyati, vanofamba nemago panyanga

    ReplyDelete
  8. Do we have a family tree for the Nyati in maungwe? Where can I get the full information of my family trea

    ReplyDelete
  9. Yes there's a family tree. We originated from somewhere in Tanzania. Betty Makoni has got the whole history. I think you can get her on facebook or twitter. She even knows the name of the area that we came from in Tanzania.

    ReplyDelete
  10. Muzvare shonga varipano was given homework for the CALA project for my son I struggled to understand mutupo wake . I'm glad wedu haunetse

    ReplyDelete
  11. Ana Nyati nanaShonga 👏👏👏👏

    ReplyDelete
  12. Thank you very much for this wonderful Shongas and others

    ReplyDelete
  13. Tinotenda madzishe Neva zvare varipano proud to be muzvare

    ReplyDelete
  14. Ko varume nyati vanonzii

    ReplyDelete
  15. What about Nyathi in english

    ReplyDelete
  16. Glad to know Kuti Nyathi iNyathi Ndebele or Shona. Ini ndiri Nyathi Ndebele by blood so ndiripo paShonga ipapo ❤️👌

    ReplyDelete
  17. I am so happy to know where I come from after 12 years of struggling. Nyati mhenyu.

    ReplyDelete
    Replies
    1. Yes it is so great to know where we came from and the journey of our great great grandfather.
      when you see my massage please call me on my Whatsap my number is +447904548221 and my name is Christopher Shonga I was born in Tanzania

      Delete
    2. I struggle for almost 35 years to find the root of my family after going through difficulty time from my neighbours in Southern part of Tanzania who kept telling me to go back to Zambia where we came from.

      Delete
  18. Nyathi Ndebele Praise names:
    OoNyathi.
    OoNgqila,
    OoNokhonza,
    OoNobudede,
    OoNongonyama,
    Nkomo ziyateketa

    Nyati Shona Praise names

    ReplyDelete
  19. Proudly Nyati .Shonga 👏🏿

    ReplyDelete

Post a Comment