Shava Nyakudirwa Totem


Shava Nyakudirwa
Maita Masvinga,
Hekani Muchamaya,
Zvaitwa mwana waKache
Tinoenda Mhukahuru,
Maita vari Shangure,
Kuziva zvenyu vari Chikwidibire.
Maita matateguru,
Vari Chamukwenjera.
Zvaitwa vari Maware,
Hekani Gurudza,
Vokwa Tungebwe, vokwaMuchenje.
Hekani Bonda, Mhofu yangu yiyi,
Zvaonekwa mwana waMusanyange.
Maita Makanganya, Maguhwu.
Tinotenda mwana waMukunyadzi naNyanzira,
Varandutsira vamwe pfumo rauya
Richibva kune imwe nyika,
Aiwa zvaitwa Nhuka.

Comments

  1. Ko panoti nhopi yataidza, pfuurai zuva rigere, mukadzi muzvere nepanoti Mudzingidze Zimowa, ziriwo sebhwa hapapo here mumutupo wedu kana kuti panomakisa

    ReplyDelete
    Replies
    1. sure Hamadziripi, I remember when I was young ndichinzwa baba vangu vachitendwa vachinzi nyakudirwaa , mudzingidzee, nhopi yataidza , nhuka etc, but now i see it missing here

      Delete
    2. ziriwo sebhwa vari chamunjera chizere homo nendoro. Vakatunga damba nemusoro rikatunga dombo rikaora. Vane mhepo inoriga zvuru ichisiya hunde dzemiti.

      Delete
  2. That should be added as well.

    Kache, nhopi yataidza, pfuurai zvenyu zuva rigere. Mukadzi muzvere.

    vana Bire naGanyire. vaGunyadze.

    ReplyDelete
  3. Ahh, ana Mhofu kusvida..., yaah👏👏

    ReplyDelete
  4. Does anyone know the history Yana Nyakudirwa mutiudzewo please ndiriwo kache and would really like to know

    ReplyDelete
  5. Pane kudetemba kweMutupo waanaNyakudirwa (as given), kozoita kutendwa kwaana Nyakudirwa. Kana ana Nyakudirwa vaakutendwa ndhoo zvinotanga zvichinzi "Maita maita Shava, Shava Nyakudirwa. Vekwawanzimupe nani, pfuurai zuva rigere, nhopi yataidza. It will then continue with the other totemic references.

    ReplyDelete
  6. Fascinating.But even more fascinating is how the Mhofu totem is the root and trunk of the Vanhu/Bantu tree. The Mhofus,Moyos, Sokos are one and the same people.And its tickling to come to the realization and sacred nature of our spiritual heritage.We are called Vahera because we are sacred.The Moyos are unifiers and peace brokers in the triangle of our family, the Soko's are priests and the Mhofus are mothers we provide.

    A background of all this can be gleaned from Prof Usheunesu Mupepereki.

    And for those of you who will delve deeper you will understand how the bible actually is an African book -stolen and angelicized

    ReplyDelete
  7. I really want to know our history mufunge anyone anonyatsoziva nemo nemo

    ReplyDelete
  8. Chokwadi shava nyakudirwa inobva nekupi tateguru anonzi ani akaberekwawo nani vaigara kupi akarwawo hondo dzipi , tine humambo here..inga vana hwata mufakose..chiweshe ..seke mutema nhoroondo iripo ko isu makache tipeiwo yedu tidade sevamwe...

    ReplyDelete
  9. Ko ukama hwaana Nyanzira / Nyakudirwa naana Unendoro/ Nyandoro hwakamira sei tinonzwa kuti vaive vamwechete

    ReplyDelete

Post a Comment