Shava Mutenhesanwa Totem


Shava Mutenhesanwa
Maita Mutenhesanwa,
Shava yangu yiyi,
Zvaitwa mwana waChiweshe,
Mugova wakarasika,
Mutsika pane mbiri,
Mhandamakan'a,
Marambakukundwa,
VokwaMutovamombe,
Makatova mombe neshamhu ikamuka.
Hekani Masvinga,
Dzvangaranga,
Venzanga chena,
VaChimbare, Chidavarume.
Maita Nhuka, Mhukahuru,
Maita VaShava,
VeGumbakumba,
Vepfupa gobvu.
Maita Shava, Mukonde wangu yuyu,
Mwana waMbiru wakabva Rwira,
Maita vokwaSadzadete,
Gobvu rinodzipa mwana.
Aiwa zvaonekwa Nechombo
Mwana wachiweshe.

Comments