Shava Museyamwa Totem


Shava Museyamwa
Maita Shava,
Mhofu yomukono, Ziwewera,
VokwaMutekedza, vakatekedzana paJanga,
Vakapihwa vakadzi munyika yavaNjanja.
Maita nhuka, Shava yangu yiyi,
Hekani Mutekedza, vari uHera Mukonde,
Zvaitwa Mhukahuru, vemiswe inochenga miviri,
Zienda netyaka, mutunhu une mago,
Vanovangira vashura vhu, kutsivira mutumbi,
Chidavarume, vanovhimwa navanonyanga,
Vakakamonera vakadzi dzenhema,
Vanomonera vakadzi dzamangondi,
Vanochemera wavatanga,
Vanemisodzi isodonha pasi,
Kuti yadonha yoda nhevedzo yaro romunhu ropa.
Tinotenda vari Matenhere,
Vari pazvikomo zveMbwenya.
Maita veTsambo chena, Mhofu yomukono,
Kuyambuka rwizi mvura yakwira makomo.
Totenda voMuchimbare, veGuruuswa,
Vanenzanga chena kunge mwedzi wejenachena,
Maita Museyamwa, Nhuka yangu yiyi,
Kuziva zvenyu vaShava Mukonde, vari Gombe.
Zvaonekwa vahombarume, zvaitwa Mbiru,
Aiwa, zvaonekwa Sarirambi, zvaitwa Nyashanu.

Comments

Post a Comment