Hungwe Maokomavi Totem


Hungwe Maokomavi
Mazviita Shiri,
Hungwe,
Matapira,
Ziendanomudenga,
Pasi yakatya ndove,
Mudyanavana,
Kunyima vana zvinoshura,
Vakadzi kuvarume vavo,
Vaira shiri nebanga hazvionani,
Zvombo zveshumba,
Muranda wavanhukadzi.
Zvaitwa Hungwe yangu yiyi,
Shiri isina shura nomunhu,
Haiwa, maita Shiri,
Mwana waChasura.
Maita zvenyu vaChifambanokudenga,
Zvaitwa vaira Shiri,
Shiri chena, tarirai kwadzinobva,
Gonerakudera, vaMurefu,
Mapatapasi,
VokwaChinobhururuka,
Muira shiri wangu yuyu,
Shiri iri Hungwe.
Aiwa zvaonekwa maokomavi.

Comments

  1. Replies
    1. Hungwe Maokomavi
      Mazviita Shiri,
      Hungwe,
      Matapira,
      Ziendanomudenga,
      Pasi yakatya ndove,
      Mudyanavana,

      Delete
  2. Varidzi vegomo, chengera mumhepo

    ReplyDelete
  3. Ndokumbirawo kana pane aneruzivo nezvemitupo izvi ini ndinoyera mayile kana kuti mzizi ndangoti ndinyore ne shona asi ndiri mundebele asi tinonzi tinoyera mzizi kana kuti mayile ingava mhukanyipi nhai ndakakura ndichiziva kuti tiri dlamini kureva mbeva asi vamwe varikunditi mbeva inonzi mayile yakasiyana saka andichaziviwo

    ReplyDelete
  4. The best tottem
    Hungwe inopedza basa
    Wenyu
    Tonderai Malcom Chikosi

    ReplyDelete
  5. Tisu Vana.maNyoni vacho

    ReplyDelete
  6. Totem pride🔥🔥

    ReplyDelete
  7. Kuti maNyoni ndokuti wawana mukadzi😇

    ReplyDelete
  8. Chasura 😎

    ReplyDelete
  9. Maokomavi Kunyima Vana Zvinoshura

    ReplyDelete
  10. chatibwee chasura pasi yakatya ndove my Totem ,muriko here uko ana chasu

    ReplyDelete
  11. Pasiwa pekuti:

    'Chisuriramudenga, Matakomaviri'

    Chivara

    ReplyDelete
  12. Hungwe ndo
    nechimalawi here

    ReplyDelete

Post a Comment