Gumbo Madyirapanze Totem


Gumbo Madyirapanze
Mazviita Gumbo,
Maita zvenyu Madyirapanze,
Vaidyira panze nokutya Vaera Shiri,
Hekanhi Chidonhamuto,
Chidonhamukaka mhuru inobva muGona,
Chifukamakono hadzi dzakatseketera,
Shava huru yakapamba Gona,
Gara ramasango, chipauro chamafuta,
Godzamuto mhuru inobva Gona,
VoRufura,
Venzeve tsvuku,
Mushukuro weGona,
Vanechitanga chisizari n'ombe,
Chinotozara musi wezvita,
Maita vari Masakadza,
Maita vari Njaidza,
Navari Mhiri kwaNyazvidzi,
Maita vari Hwiru,
Tatenda vari Chikwidzire chamabwe machena,
Chakada mutema muzvare Mataruse,
Hekanhi vari Raubwi,
Vari muhari huru,
Vari chikomo chaMabwazhe,
Mhare yokurwa yaiganza kunge handira,
Zvaitwa Chisema, Sambiri,
Chikara wapanze,
Chifamba namana,
Chifuramakuru, mazondo tinodya,
Maita vari Svikire,
Vari Maturi, vari chivende,
Vari Hubvumwe, Chiputsamakuru; Godzamuto,
Vari Hwiru yaMazonde vokuda nyama,
Vanoera gumbo remombe asi mutumbi wayo vachidya,
Shava yangu yiyi, Chitanga, Chikanyamatope,
Maita vari Mapfukudza kunodyiwa boora nechirimo,
Naka muchadya makunguwo huku dzarova,
Hekanhi Madyirapanze, Ganyamatope,
Kuti vane nzara vaponewo,
Hekanhi Musipa,
Marera Nherera, Matsikapasikuzororahuvata,
Hekanhi Gutu, Hekanhi weGona, ndisengei,
Senga nhundwa, senga musoro pane romo neziso,
Hekanhi Mhandamakan'a, Matakuradumbu,
Matangakunwa muviri une nyota,
Vatambi vemuGanyiro,
Matsika pachena napanerima,
Hekanhi Masangedzwa,
Bvumazvirema,
Teveratsimba mutsvairo wenzira,
Hekanhi Murendo, Mushaya chirashwa,
Mafuta tinozora,
Runyanga igonamombe,
Gumbo mubhadha, dovo tinowadza,
Nyama tinodya, mukaka tinomwa,
Muswe inhawo, ndove indozura mumba,
Zvaitwa Chitova, mushukuro wegonamombe,
Aiwa zvaitwa Gumbo,
Chinemukutu, maKorekore

Comments

  1. Hie, can you help with the Chirenje totem some say it's the same with magumbo and others say it's hunger.. can you help please

    ReplyDelete
  2. Hie, can you help with the Chirenje totem some say it's the same with magumbo and others say it's hunger.. can you help please

    ReplyDelete
    Replies
    1. Chirenje nenhumbi zvakasiyana kure kure. Chirenje is a Mozambican word ichireva mhuka inenge chipiko.Mhuka iyi inonzi yaifamba husiku chete ichipenya sechipoko.
      VanaChirenje vanodetembwa sezvizvi...
      Maita chirenje
      Maita wekuminingara
      Vanofamba husiku
      ...........

      Delete
    2. Ndokumbirawo detemmbo rose raana Chirenje

      Delete
    3. Ini ndatonzwawo kuti chirenje its the same neGumbo

      Delete
  3. Hi anaGumbo kana vachikumbirira vanoenda pamuti upi?muhacha or mutsonzowa?

    ReplyDelete
    Replies
    1. Ahhh Gumbo, pamuhacha ipapo ndipo...VariHwiru vanodaira πŸ‘πŸΎπŸ‘πŸΎπŸ‘πŸΎ

      Delete
  4. makadini hama ndokumbirawo ubvunza kuti mutupo wangu unodetembwa seyi chirenje

    ReplyDelete
    Replies
    1. Kkkkkkk wakafanana neni ndisingaziviwo

      Delete
  5. Vana Chirenje tiri vaera Gumbo

    ReplyDelete
  6. Please may I have full detembo rechirenje

    ReplyDelete
  7. Chirenje is a Mozambique word or others they say mulenje which means Gumbo.sekuru vedu vachitaura vakatiudza kuti mutupo uyu une mamwe mazwi asingabviri kuti isu timadetembe sedete

    ReplyDelete
  8. Nokuti anonyadzisa kumadetemba.but tete in Mozambique that's where others found.vaingotaura vachiti tirimadzimambo uye varwi vehondo.so we learn lot of things from our grandfather because vainge vakazvarwa 1917 vakazoshaika last year muna january.so tine masurnames maviri yekuti Dumba neyokuti Fakero

    ReplyDelete
  9. Ini sekuru vangu vakabva kutete province..muyera Chirenje futi. But other than that, there isn't any other info available kuti tizive more

    ReplyDelete
  10. Ini baba vangu vakazvarirwa kuMozambique.Gore ravo rekuzvarwa havana kuriziva semunhu wekare akange asina kuenda kuchikoro.(21 February 1924 ndoraive pachitupa)Vakashaya muna 2006 muZimbabwe.Vakati havana zvakanyanya zvavakadzidza nekuda kwerudzi rwekwedu kunze kwekuti tiri maKunda ekuNyungwe,nekuda kwekubva kuMozambique vari mudiki.Pamutupo apa vaiita sekusaziva kuti tiri Mbizi ,Nzou kana Ngwarati. Izvi zvaita kuti tisazive zvakanyanya. Kana pane anga zivewo vainzi Kambvumbi ( zita ravo rekuberekwa) tiri hama.Tingabatsirane kuwana more information pamsoro perudzi rwedu.

    ReplyDelete
    Replies
    1. Ini ndakanzwawo kuti chirenje inzou that is what my grandfather taught us. History has it that our totem was lost during the Portuguese occupation of Mozambique but we are Nyungwe people that's the language we were taught at home growing up

      Delete
    2. Iniwo ndinoera Chirenje , baba vangu vakazvarirwa ku Mozambique ku Tete uye tiri maChikunda , kutaura kwavo ivo vaiti tinoyera Gumbo, asi une kakunyadzisira hawo nekuti harisi gumbo rinotsika chairo , zvakare kudetemba vanga vasingagone nekuti vakabvako vari mwana mudiki . Baba vavo vainzi Gwarimbo

      Delete
    3. I also want to know more about chirenje totem ndoyangu,also heard we are from Mozambique surname yangu ndi Sanje

      Delete
  11. Ini Baba vangu vakabva kuMozambique vachiri mudiki nasekuru nambuya. Vakabva kuMazoe bridge area kuChangara Tete Province. Vanoti ivo Chirenje pane vaTanda ndivo vana Chirenje chaivo. Then kozoita kuti tese ana Chirenje tiri maNyungwe vari maChikunda. Chikunda zvireva language just like Chimanyika chine Chindau nemimwe mutauro. Ndakamboendako 2018 asi handina kuonana nevanhu vakanyatsobditsanangurira. I will go back again. Surname yedu ndi Arimoso Zita raSekuru vakazvara baba then sekuru vakazvara sekuru vainzi vaZhuwaki mukadzi wacho vachiFiera

    ReplyDelete
    Replies
    1. Aiwa kana mazodzokera moramba muchitiudzawo tizive. Titende

      Delete
  12. Ini ndinoera Chirenje from Mozambique baba vababa vainzi Kembo Kembo asi ndosandisa surname yekuti Steel..imwe surname inonzi Bob

    ReplyDelete
    Replies
    1. Zvakanakai hama, saka Imi mngaitewo ruzivo here rwekuti mutupo uyo unoreveyi uye unodekeyerwa seyi

      Delete

Post a Comment